Bitcoin v0.1 yakabuda

na Satoshi Nakamoto 2009/01/09open in new window

Pakataurwa zvekubuda kwe Bitcoin itsva, electronic cash system itsva ichashandisa peer-to peer network(shamwari ku shamwari) kuitira kuti kutenga kana kutengesa kaviri kusavapo. System iyi iri decentralized, hakuna maservers kana vatongi vanoona nezvemabitcoin(central authority).

Enda ku bitcoin.org kuti uone mascreenshots.

Download link: http://downloads.sourceforge.net/bitcoin/bitcoin-0.1.0.rar

Windows chete panguva ino. Vhura source C++ code iripo.

  • Vhura mafaira aya mudirectory
  • Run BITCOIN.EXE
  • Inobva yaenda kune mamwe manodes

Kana uchikwanisa kurunner node inobvumira maconnections arikuuya, unenge wabatsira network zvikuru. Port 8333 iri pa firewall inoda kuvhurwa kuti iwane maconnections arikuuya.

Software ichiri alpha and experimental. Hapana chatingavimba nacho kuti system state haitange pakare kana zvirizvo zvichada kuitwa, asi ndaita zvese zvandokwanisa muextensibility neversioning.

Unokwanisa kuwana macoins kana wakawana anokutumira, kana kuti unoenda ku Options->Generate Coins ku runner node nekugenerator mablocks. Chekutanga ndaita proof-of-work kuti inge yakapusa, zvekuti kwekanguva kadiki pakutanga PC ipi ne ipi inokwanisa kugenerator macoins zvemaawa mashoma. Zvichazotanga kunetsa kana vanokwikwidza vaita automatic adjustment drive vaita kuti zvichitanga kunetsa. Magenerated coins anofanira kusvika ku120 blocks kuti asvike pakushandiswa.

Pane nzira mbiri dzekutumira mari. Kana arikutumirwa ari pamhepo (online), anokwanisa kuisa IP address obva aconnector, anowana public key itsva ozotumira transaction ine macomments. Kana arikutmirwa asipo pamhepo, unokwanisa kutumira kuBitcoin addres yake, iri chidimbu(hash) chepublic key yaanenge akupa. Awatumira anoona transaction paano connector owana block yairi. Nzira yekutumira munhu asiri pamhepo yakashatira kuti hapana comment inotumirwa, uye kuchengetedzwa kwezvatumirwa kunoita kuchiderera kana akaramba achitumira neaddress iyoyo, asi yakanakira kuti unokwanisa kutumira munhu asingakwanise kuvapo pamhepo paunotumira.

Macoins arimo musystem anenge ari 21 000 000, ichatumirwa kuma network nodes kana ave mablocks, huwandu uyu uchadimburwa nepakati pese panopfura makore mana.

Makore mana ekutanga(first 4 years): 10 500 000 coins makore mana anotevera: 5 250 000 coins makore mana anozotevera: 2 625 000 coins makore mana anozotevera: 1 312 500 coins nezvimwewo...

Kana zvisisipo, system inokwanisa kubhadhara transaction fees kana zvichidiwa. Izvi zvinoitwa ne open market competition, uye kuchave nemanodes anoita matransactions mahara.

Satoshi Nakamoto


The Cryptography Mailing List Unsubscribe by sending "unsubscribe cryptography" to majord...@metzdowd.com

Vashanduri
Tebogo Makgakga

Vatsigiri
BitMEX